Munhu ndiye akaipa, ndichiroora oti matsva matsva nemukadzi wangu
Ndiregezve kuroora hunzi bhachura ratinetsa kubikira mumba muno
Tiregezve kuroorwa hunzi mapfambi aya atinetsa mumba muno
Vepamanext door navo ndisati ndawana, vanga vakamirira kuona mukadzi wangu
Nhasi ndaroora vekuma next door zvirehwarehwa zvavo zvose voturira mukadzi wangu
Ko zvakaipa here kuroora hama ndiudzeiwo?
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Ko zvakaipa here kuroora kuti tiwande?
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Ko zvakaipa here kuroora rudzi rukure?
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Maoko akaipa pakudya pabasa akanaka aya
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Maoko anowanda pakudya pabasa akanaka aya
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi ini
(Ndisiyei ndakadaro mwana wavaridzi)
Munhu ndiye akaipa chete, asingadi kuona vagere zvakanaka
Munhu ndiye akaipa chete, asingadi kuona vagere zvakanaka
Ma-jealous