Выберите трек для воспроизведения
Wabata musoro, wabate rushaya, wapfekanidza maoko
Wanyadziswa neiko, chaita ushaye mufaro seiko?
Munyika ine vamwe, dunhu rine vararami mkoma
Unowanikwa misi yose wakagumbata misodzi pamatama
Washungurudzwa neiko, chaita ushaye mufaro seiko?
Munyika ine vamwe, dunhu rine vararami hanzvadzi
Ukadzudzikana tsvaga shamwari utaure nayo ichikutandadza

Zvidhudhurudzi zviriko hongu, asi chikuru kuzviziva
Uchinge wazviziva ndundurudzana nazvo
Matambudziko ariko, achinge auya
Iwe umire, Mwari ndivo mhinduro
Pagumi hapashayi vaviri vanomira newe vachikunyaradza
Pazana hapashayi makumi maviri vachamira newe vachikutandadza
Ukadzudzikana tsvagana naMwari upfugame unamate, vachakunyaradza

SaMunyaradzi, variko Munyaradzi, Munyaradzi
Variko Munyaradzi vachakunyaradzawo
Wabata musoro, wabate rushaya, wapfekanidza maoko
Wanyadziswa neiko, chaita ushaye mufaro seiko?
Munyika inavamwe, dunhu rine vararami mkoma
Pagumi hapashayi vaviri vanomira newe vachikunyaradza
Pazana hapashayi makumi maviri vachamira newe vachikutandadza
Ukadzudzikana tsvaga shamwari utaure nayo ichikutandadza
Ukadzudzikana tsvaga shamwari utaure nayo ichikutandadza
Ukadzudzikana tsvagana naMwari upfugame unamate, vachakunyaradza
Ukadzudzikana tsvagana naMwari upfugame unamate, vachakunyaradza
SaMunyaradzi, variko Munyaradzi, Munyaradzi
Variko Munyaradzi vachakunyaradzawo
Zvitsudzo zviriko, zvichinge zvauya
Irwa umire, upire kuna Mwari
Zvitsudzo zviriko, zvichinge zvauya
Zvakanangana newe, irwa umire
Zvitsudzo zviriko, zvichinge zvauya
Irwa umire, upire kuna Mwari
Zvitsudzo zviriko, zvichinge zvauya
Zvakanangana newe, irwa umire