Оберіть трек для відтворення
Mwana mudiki akachena, urwere here, inzara here?
Zera rake haritaure, urwere here, inzara here?
Chinomunetsa tachishaya, isu vabereki
Panomurwadza tapashaya, isu vabereki tapashaya
Vabereki tinochema, vabereki tinosuwa, tokanganwa kunamata kuna Mwari
Vabereki tinochema, vabereki tinosuwa tokanganwa kunamata kuna Mwari
Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara
Anoziva ndiMwari kuti mwana kuchema igwirikwiti
Mwana mudiki akarwara vabereki tinoona kuchema chema kwemwana
Mwana mudiki akatirwarira
Mwana mudiki akarwara vabereki tinonzwa mwana kupisa muviri
Mwana mudiki akatirwarira
Mwana mudiki akarwara tinoona kuchema chema kwemwana