Оберіть трек для відтворення
Gogogoi pamusha pano, ini ndigashireiwo
Mwana wenyu ndadzoka kubva kwandaiva ndiri kure
Gogogoi pamusha pano, ini ndigashireiwo
Mwana wenyu ndadzoka kubva kwandaiva ndiri kure
Ndaizviziva kuti hazvikufadzei imi
Zvizhinji kwazvo izvo zvainditadzisa
Ndaizviziva kuti hazvikufadzei imi
Zvizhinji kwazvo izvo zvainditadzisa
Basa rangu riye, tarirai zvandava nhasi
Mudzimai, vana ava pamwe nekuraramazve
Basa rangu riye, tarirai zvandava nhasi
Mudzimai, vana ava pamwe nekuraramazve
Maishora zvandaivaka, ndisati ndakura
Hezvo chero nemi vedzinza motozvifarirawo
Maishora zvandaivaka, ndisati ndakura
Hezvo chero nemi vedzinza motozvifarirawo
Imo mukuzvarwa zvinonzi unenge wakapfumbata
Zvipo zvekushanda, mabasa ekuzvibatsirawo
Imo mukuzvarwa zvinonzi unenge wakapfumbata
Zvipo zvekushanda, mabasa ekuzvibatsirawo
Changu chipo chakava chekufadza vamwe vabva kumabasa
Vakazorora nevamwe vanozvifarirawo
Changu chipo chakava chekufadza vamwe vabva kumabasa
Vakazorora nevamwe vanozvifarirawo